Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yovhara Zvikoro Zvisiri Kushanda Zviri Pamutemo


map of zimbabwe
map of zimbabwe
Bazi rezvedzidzo yepamusoro rinoti ravhara zvikoro zvepamusoro zvinosvika zana negumi nezvitatu zvange zvichishanda zvisiri pamutemo uye zvisina marezinesi ekuita basa iri.

Pazvikoro izvi, zvinosvika makumi mana nezviviri zvatovharwa zvachose. Zvikoro zvizhiji zvakatarisana nedambudziko iri zviri mu Harare, Chitungwiza, Bulawayo,
Midlands, Matebeleland South, Matabeleland North neManicaland.

Zvimwe zvikoro zviri muHarare zviri kunzi zviri kushanda zvisiri pamutemo nehurumende zvinosanganisira First Link College, Peter Birch School of Art, Zimbabwe Early Childhood Development, Zimtech Training College, Magamba Hall College, Herentals Budiriro, neBlue Magic School of Braiding and Weaving.

Zvikoro zvinonzi zvakatorerwa marezinesi nehurumende zvinosanganisira Churston College, Genesis College muHarare, ZDECO kuKwekwe, Kamativi Vocational Training Centre, Bulilima Information Technology Centre, Gweru Computer Learning Centre and Mutare Professional College.

Munyori mubazi redzidzo yepamusoro, Dr Washington Mbizvo, vakaudza bepanhau re Herald kuti vari kushanda nemapurisa kuitira kuti zvikoro zviri kuita basa zvisiri pamutemo zvisabvumidzwe kuita basa iri.

Mumwe murairidzi wemuHarare, Va Abbiot Moyo, vanoti zvinoshungurudza kuti vadzidzi vari kurasikirwa nemari panomiswa dzidzo kana zvikoro izvi zvavharwa.

Va Moyo vanoti hurumende inofanirwa kuramba ichikurudzira vane zvikoro izvi kuti vagadzirise zvinhu kuitira kuti vadzidzi vasarambe vachirasikirwa nemari nenguva.

Hurumende inoti kubvira gore ra 2010 yavhara zvikoro zvinosvika mazana mashanu zvange zvichishanda zvisiri pamutemo.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG