WASHINGTON —
Bazi rinoona nezvekuverengwa kwevanhu munyika, re Zimbabwe Statistical Agency, rinoti rapedza chirongwa chekukwenenzvera kuverengwa kwevanhu munzvimbo dzisina kukwanisa kusvikwa nevanhu vaiverenga vanhu munyika pakapera chirongwa ichi neMuvhuro svondo rino.
Mukuru webazi rezvekuverengwa kwevanhu, Va Washington Mapeta, vanoti chirongwa chekukwenenzvera, kana kuti mop up exercise, chapera neChina uye vave kutotanga kunotora magwaro akashandiswa muchirongwa chekuverenga vanhu munzvimbo dzakasiyana siyana kuitira kuti vachitanga kuverenga huwandu hwevanhu munyika.
Bazi iri rinotiwo rave kuda kuchitanga kubhadhara vanhu vakaita basa iri sezvo vakapihwa nehurumende mari inosvika mamiriyoni masere emadhora.
Asi VaMapeta vanoti havazivi kuti vachatanga kubhadhara vashandi ava zuva ripi.