WASHINGTON —
Vagari vemumatunhu akawanda muMatebeleland nemamwe matunhu ari kuchamhembe kwenyika vanoti vakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemvura izvo zviri kupa kuti vanhu vakawanda vade rubatsiro rwechikafu.
Mumwe mugari wemuHwange, Va Oliver Chikumba, vanoti mvura haisati yanaya mudunhu ravo. Vanoti nepamusana pedambudziko iri, dayi masangano anobatsira akaita se Christian Care, World Vision, nemamwe adzoka mudunhu ravo kuitira kuti abatsire vanhu vakawanda vakatarisana nenzara inotyisa.
Sezvo varimi vari kutarisira kuti mvura ichanaya, VaChikumba vanoti chinhu chinorwadza kuona vanhu vakawanda vemudunhu ravo vachitadza kuwana mbeu, kunyange hazvo paine hurongwa hwehurumende hwekupa vanhu mbeu pachena pasi pechirongwa chemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.
Mbeu idzi dzinoti dziri kuphihwa nhengo dze Zanu PF chete.
Zvinonziwo zvipfuyo zvakatarisanawo nedambudziko remvura nechikafu mumatunhu aya.
Nyanzvi munyaya dzekurima dzinoti mamwe matunhu akaita seMasvingo, Midlands neManicaland akarisanawo nenguva yekaoma sezvo mumatunhu aya muine nzara pamwe nekushaikwa kwemvura