Accessibility links

Breaking News

Kambani YeAir Zimbabwe Yotanga Kubhururuka Mazuva Ose Kune Dzimwe Dzvimbo


Air Zimbabwe
Air Zimbabwe
Meya weguta reVictoria Falls vaNkosilathi Jiyani vanoti zvinofadza kuti kambani yeAir Zimbabwe yatanga kubhururuka mazuva ese kunzvimbo dzinoti Victoria Falls, Bulawayo ne Johannesburg sezvo zvichabatsira kuti vashanyi vekunze vakawanda vakwanise kushanyira nyika.

Chief Executive veAir Zimbabwe vaInnocent Mavhunga vakaudza bepanhau reHerald kuti kambani yavo yaoona zvakakosha kuti itange kubhururuka mazuva ese nekuti pane zvirongwa zvakawanda sezve zimbabwe Trade Fair ne United Nations
World Tourism Organisation (UNWTO) general assembly zvichaitwa munyika.

Air zimbabwe yange ichitadza kubhururuka nenyaya yezvikwereti uye kutadza kubhadhara vashandi.

Nhasi Air Zimbabwe inonzi yabhururuka kuenda kuSouth Africa pasi pechirongwa chitsva ichi asi yanga ichinzi yange ine vanhu vashoma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG