WASHINGTON —
Sangano reHarare Residents Trust rinoti ratanga chirongwa chekutsvaga makuriro edambudziko rekushaikwa kwemvura muHarare uye kuti dambudziko iri ringagadziriswe seyi.
Mukuru weHarare Residents Trust, Va Precious Shumba, vanoti pakupera kwechirongwa chavo neChishanu, sangano ravo richatura humbowo hwarinenge rawana kukanzuru yeHarare kusanganisirawo mapazi ehurumende.
VaShumba vanoti shuviro yavo ndeyekuti dambudziko remvura rigadziriswe zvachose, kwete kuti mvura irambe iri dambudziko muvagari vemuHarare. VaShumba vanoti zvinovashungudza kuti nzvimbo dzakawanda muHarare hadzina mvura yakachena inobuda mupombi uye vagari vave kutogara vari pazvibhorani zviri mumaguta vachitsvaga mvura yakachena yekushandisa.
VaShumba vanoti chirongwa chavo chakatanga neMuvhuro uye chichapera ne Chishanu. Chirongwa ichi chiri kuitwa panguva iyo nyika iri kucherechedza svondo rekuwanira vanhu mvura yakachena nehutsanana muhupenyu hwavo, kana kuti Sanitation Week.