Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Warriors Yogadzirira Mutambo Wayo neAngola neSvondo


Soccer
Vakomana veZimbabwe Warriors vatanga gadziriro yemutambo mukuru ne Angola uyo uchatambwa neSvondo. Mutambo uyu uchatambirwa ku Angola.

Vatsigiri venhabvu vanoti Zimbabwe inofanirwa kukunda kuitira kuti iende kumakwikwi e 2013 Africa Cup of Nations, ayo achatambirwa ku South Africa gore rinouya.

Zimbabwe yakakunda Angola 3-1 pamutambo wakatambirwa muHarare mwedzi wapera.

Mutungamiri wesangano re Zimbabwe National Soccer Supporters Association, Va Eddie Mboma Nyatanga, vanoti vane tarisiro yekuti chikwata chenhabvu chenyika chichakwanisa kuenda kumakwikwi eAfrica Nations Cup.

VaNyatanga vanoti vari kufara nebasa rakaitwa nekomiti yakarongwa ne ZIFA rekutsvaga mari yekuti mutambo uyu ubudirire.

Zimbabwe yakapedzisira kutamba mumakwikwi eAfrica Cup of Nations kuEgypt mugore ra 2006 pasi pemurairidzi Charles Mhlauri.

Veruzhinji vari kutarisira kuti muraidzi weZimbabwe Warriors, Rahman Gumbo, nemutevedzeri wake, Peter Ndlovu, vachabatsira kuti maWarriors akunde Angola zvakare kuitira kuti vakomana venhabvu vaende kuSouth Africa gore rinouya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG