Accessibility links

Breaking News

Nzira Dzose Dzonanga kuHIFA muHarare


Hifa
Hifa
Vaimbi navana nyanduri vanobva kunyika dzinosvika makumi maviri neshanu varikutarisirwa munyika kupera kwemwedzi uno pamutambo weHarare Festival Of The Arts (HIFA).

Mutambo uyu richaitwa kubva musi wa 30 Kubvumbi kusvika musi wa 5 Chivabvu muHarare.

Vanooona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reHIFA VaTafadzwa Simba vanoti varikufara nemafambiro arikuita gadziriro yemutambo wavo.

VaSimba vaudza Studio Seven kuti pachange pane vaimbi vazhinji vemunyika vane mukurumbira vachabatana nevamwe vaimbi vekunze kwenyika pakufadza veruzhinji.

Vaimbi ava vanosanganisira muimbi wemumhanzi weDendera, Sulumani Chimbetu. Pachange paine vaimbi vekunze kwenyika vachabatana nevamwe vaimbi vemunyika vanosanganisira mwana we muimbi Oliver Mtukudzi muzvare Selma Mtukudzi achaimba ne mwana wa Lucky Dube muzvare Nculee Dube.

VaSimba vanoti matikiti emimwe mitambo akatopera kubvira paakatanga kutengeswa kune veruzhinji neMuvhuro.

Mutambo weHIFA wakatangwa mugore ra 1999 uye uri kuramba uchikura kunyangwe hazvo mimwe mitambo yepamusoro yakatadza kuenderera mberi nenyaya yekushaikwa kwemari ne kuwoma kwakaita zvinhu munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG