Accessibility links

Breaking News

Highlanders NeDynamos Dzokundwa muCastle Premier Soccer League


highlanders
Dynamos ne Highlanders, dzakashaiswa mufaro neChitatu zvichitevera kukundwa kwadzaitwa mumitambo yeCastle Premier Soccer League.

Dynamos yakundwa 3-2 ne Bufaloes kwaMutare, ukuwo Highlanders ikakundwa 1-0 ne Chicken Inn ku Barbourfields Stadium.

Pane mimwe mitambo Caps United yakunda Hwange 2-0; Black Mambas ikarovawo Shabanie Mine 2-0; Black Rhinos ikaita angange 0-0 ne Tripple B, zvimwe chetezve pamutambo we FC Platinum ne Motor Action uyo wapera ari mangange 0-0.

Mumwe mutsigiri weDynamos, VaFabian Mahembe, vanoti kunyange zvazvo chikwata chavo chisina kutamba zvakanaka neChipiri, vanotarisira kuti zvinhu zvichasanduka mumitambo inotevera sezvo vatambi vazhinji vange vaka kuvara pamutambo weChitatu.

VaMahembe vanoti vatsigiri vazhinji vari kufara nemafambisirwo ari kuita zvinhu nemurairidzi wechikwata ichi VaCallisto Pasuwa kunyange hazvo vamwewo vari kugunun'una kuti chikwata hachifanirwe kunge chichi kundwa nepasvika makwikwi aya.

Mitambo yeCastle Premier League yakambomiswa kwemavhiki maviri ikatangwazve munzvimbo dzakasiyana siyana.

Mitambo iyi ichaenderera mberi neChitatu apo chikwata che How Mine chichakweshana ne Triangle ku nhandare ye Luveve, Harare City ichatamba ne Monomotapa ku nhandare yeRufaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG