WASHINGTON —
Varimi vari munzvimbo dzisinga nyanyo naya mvura zvikuru kuLupane kuMatabeleland vanoti vari kushandisa nzira itsva dzinehungwaru dzekurima vasingashanise mvura yakawanda kuitira kuti vawane gohwo rakanaka.
Mumwe murimi wemu Gandangula kuLupane Muzvare Patience Mkhwebu vanoti varikutarisira kuwana gohwo rakanaka mwaka uno sezvo vakashandisa nzira itsva ye kurima pabindu ravo.
Muzvarwe Mkhwebu vanoti kunyangwe zvazvo vakambo tarisana nedambudziko remakonye anodya zvirimwa earmy worm vakakwanisa kurikunda sezvo vakashandisa nzira ine hungwaru iyi pavakadyara kechipiri mbesa dzavo.
Nzara yapfunya chisere mumatunhu akawanda muZimbabwe nenyaya yemvura isiri kunyatsonaya zvakanaka. Izvi zvapa nyanzvi munyaya dzezve kurima kuti dzikurudzire varimi kuti varime zvine hungwaru.