Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheHIFA Chinotanga muHarare


HIFA
Dambe guru rechirongwa cheHarare Festival of The Arts (HIFA) ratanga muHarare neChipiri. Chirongwa ichi chinosanganisira vaimbi navana nyanduri vanobva kunyika dzinosvika makumi maviri neshanu, kusanganisirawo Zimbabwe.

HIFA iri kutarisirwa kupera nemusi weSvondo. Vanowona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Va Tafadzwa Simba, vanoti vari kufara nemafambiro ari kuita zvinhu pari zvino sezvo vana nyanduri vanobva kunyika dzekunze vakawanda vacho vakakwanisa kuuya.

Zviuru nezviuru zvevanhu vanobva munharaunda dzakasiyana siyana munyika zviri kutarisirwa kuenda kunoona zvirongwa zve HIFA gore rino.

Dambe regore rino riri kuitwa pasi pedingindira rinonzi "What Next. Looking Back/Looking Forward,"

Vaimbi vane mukurumbira vemunyika vanosanganisira Sulumani Chimbetu, Selma Mtukudzi, Jah Prayzah, Judgment Yard, Roki na Mamphi, vachange vachitandadza vanhu kumafaro aya.

VaSimba vanoti veruzhinji vanofanirwa kukurumbidza kutenga matikiti sezvo mitambo mizhinji iri kuwandirwa zvekuti vanononoka vanokwanisa kushaya mukana wekuzowona vavanofarira.

VaSimba vanoti veruzhinji vanofanirwa kushandisa zuva reChitatu rezororo senguva yekusasana nemhuri vachiwona mitambo iri kuitwa kuHIFA.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG