Accessibility links

Breaking News

Vasikana Voita Vana Vasati Vasvika Zera


World Population Day
World Population Day
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rehuhwandu hwevanhu pasi rose, World Population Day.

Izvi zvaitwa pasi pedingindira rinoti “ Adolescent Pregnancy”. United Nations inoti iri kukurudzira kuti huwandu hwevechidiki vanofa vachibvisa pamuviri hwudzikire.

United Nations inoti vasikana vari pasi pemakore gumi nemasere vanodarika mamiriyoni gumi nematanhatu vari kuita vana gore rega rega.

Sangano iri rinotiwo vasikana mamiriyoni matatu nemazana maviri ezviuru vari kurasikirwa nehupenyu vachiedza kubvisa pamiviri.

Rimwe remasangano anoshanda nebazi rezvehutano, re Population Services International Zimbabwe, rinoti chinangwa charo gore rino dzechekushanda nevechidiki munyaya dzekuronga mhuri.

Mukuru mubazi re clinical services musangano iri, Doctor Rutendo Bonde, vanoti zvakakosha kuti vabereki vave nehukama hwakasimba nevana vavo vechidiki sezvo zviri zvega zvingabatsire panguva yekutaura nevechidiki panyaya dzebonde.

Doctor Bonde vanoti mazuva ano vechidiki vari kutanga nyaya dzebonde vachiri vadiki zvinozoita kuti vazosangana nematambudziko akawanda mune ramangwana.

Doctor Bonde vanoti zviri nani kuti vechidiki yapihwe mikana yakawanda kuti vazive nezvekuronga mhuri kuitira kuti vasazosangana nematambudziko ekubatira pamuviri vachiri vadiki, kana kuitisa musikana pamuviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG