WASHINGTON —
Vanhu vanomwe vanoshanda nemakanzuru ekumaruwa vari mu America umo vari kuona mashandiro anoita makanzuru emunyika iyi.
Vanhu ava vachange vari muAmerica kwemazuva gumi.
Vanoona nezvezvirongwa zveExchange Programs pamuzinda weAmerica muZimbabwe, Muzvare Gladys Tutisani, vanoti zvirongwa zvakadai zvakakosha sezvo zvichibatsira kuumba hukama pakati pezvizvarwa zveZimbabwe nevamwe vavo vanoshandira matunhu vemuAmerica.
Vashanyi ava vakatanga nekushanyira Washington DC, uko vakadzidziswa mafambisirwo emabasa ematunhu vasati vaenda kuguta re Raleigh, muNorth Carolina uko vakawana mukana wekuona mafambisirwo anovandudza matunhu kumaruwa.
Pari zvino chikwata ichi chiri muguta reKansas kuMissouri uko chiri kuita zvidzidzo zvekuvakwa kwemigwagwa, mabhiriji nezvimwewo zvingada kugadzirwa kumaruva.
Muzvare Tutisani vanoti chikwata ichi chiri kutarisawo nzira nzekuwedzera hunyanzvi hwacho munyaya dzekutanga mabhizinesi kumaruva kusanganisira nzira dzekutengesa nzvimbo dzavanogara kumaruva kune dzimwe nyika.
Vashanyi ava vanosanganisira mutungamiri we Mutare Rural District Council, VaSherpherd Chinaka, sachigaro wekanzuru yeChaminuka Rural District Council, Va Clever Dzapasi, nhengo ye Association of Rural District Councils of Zimbabwe, Amai Lucy Rufamera, nhengo ye Murehwa District Council, Va Alois Mutsakanda nevamwe.
Vashanyi ava vari kutarisirwa kupedza chirongwa chavo neChitatu.