Sangano re Zimbabwe Medical Association rinoti vashandi vezvehutano munyika vari kuwana dzidzo yepamusoro pamabatirwo anoitwa munhu anenge ane chirwere che Ebola.
Hurumende inoti vanhu vanofanirwa kumbomira kushanyira nyika dzemu West Africa dzakatarisana nedambudziko rechirwere che Ebola.
Muimbi ane mukurumbira munyika, Alick Macheso, anoti ari kufadzwa nekuchata kwaita mwanasikana wake, Sharon, nhasi kupakare paye kuNorton.
Muzinda wemutungamiri we America, VaBarack Obama, uri kutarisirwa kuzeya nechizvarwa che Zimbabwe, Takunda Chingonzo, zvirango zvakatemerwa Zimbabwe ne America kuitira kuti zvisavhiringa vechidiki vari kutanga mabhizinesi avo.
Zvizvarwa zveZimbabwe ne Zambia gumi nezviviri zviri muAmerica umo zvirikuita zvidzidzo pasi pe chirongwa che 2014 American Professional Fellows Progragramme icho chiri pasi pedingidira re kukurudzira zvemabhizinesi.
Sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mu America rakapa ruremekedzo kuchizvarwa chezimbabwe chinoita basa munyaya dzehutano.
Munyori ane mukurumbira zvikuru muAmerica nepasi rose uye ari nyanduri achirwirawo kodzero dzevanhu, Maya Angelou akashaya neChitatu.
Sangano re Macroeconomic And Financial Management Institute of Eastern And Southern Africa (MEFMI), neChitatu rakanyororena chibvumirano chemari inosvika miriyoni imwe chete yemadhora nemazana maviri nesangano re African Capacity Building Foundation (ACBF).
NeChishanu nzira dzose dzakange dzakananga kuAtlanta Georgia, muAmerica apo zvizvarwa zveZimbabwe zvakasangana pagungano re ZimExpo rinoitwa gore negore.
Sangano re Crisis In Zimbabwe Coalition rabatana nemamwe masangano anomirira kodzero dzevana nemadzimai munyika mukaratidzira kusafara kwemasangano aya nekupambwa kwakaitwa vanasikana vanodarika mazana maviri kuNigeria mwedzi wapera.
Vamwe vagari vekwa Magokova kuChisumbanje mudunhu reManicaland vanoti havasi kufara nekuparadzwa kuri kuitwa zvirimwa zvavo izvo zvavari kuda kukohwa.
Mutungamiri we sangano re Zimbabwe Young Women Network For Peace, Muzvare Grace Chirenje, mumwe weavo vange vari pakuratidzira uku, vanoti dambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai richiri kuwanda munyika.
Vamwe vevasikana ava, avo vakapambwa muna Kubvumbi, vaburitswa pamavhidhiyo nechikwata ichi vakapfekedzwa mbatya dzechitendero dzechi muslim vachinzi vakatotendeudzwa kuti vatevere chitendero ichi.
Mitambo ye Harare Festival of The Arts, HIFA, yapinda muzuva rechipiri muHarare neChitatu mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Bruce Wharton, vachirumbidza hukama hwenyika yavo neHIFA.
Vanhu vakawanda munyika vanonzi vari kurarama nechirwere cheshuga vasingazive kuti vanacho.
Mukuru wesangano re Zimbabwe Diabetic Assocaiton, VaNgoni Chigwana, vanoti vari kufara nekusarudzwa kwakaita nyika seimwe yenyika nhatu pasi rose dzichawana rubatsiro kubva kusangano re International Diabetes Federation, IDF.
Mukuru we sangano reNational Arts Council va Elvas Mari vanoti nyika yakasikirwa zvikuru nekushaikwa kwemunyori anemukurumbira Amai Sharai Mukonoweshuro.
Sangano rinomiririra vagari vemuChitungwiza reChitungwiza Residents Trust nhasi raita musangano nekomiti yedare reparamende inoona nezvematunhu.
Sangano rinobatsira pachena vana vanechirwere chinoremadza miromo yevana kana kuti cleft palate cheOperation Of Hope chapinda muzuva repiri chichiita maOperation ekubatsira vana ava.
Sangano renhabvu yepamusoro soro munyika, Premier Soccer League, PSL, rinoti rakawana rutsigiro kubva kukambani ye Delta Beverages rwemari inosvika mamiriyoni matatu nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora.
Rodhai zvimwe