Kusarudzwa semutungamiri zvakare weZIFA kwakaitwa VaCuthbert Dube neMugovera, kwasiya vanhu vakawanda vakashama mirimo yavo, vamwe vachiti pakaitwa chioko muhomwe kuti VaDube vadzoserwe pachinzvimbo ichi.
Apo pasi rose rabatana neMuvhuro kucherechedza zuva reWorld Tuberculosis Day, bazi rinoona nezvehutano rinoti hurumende ichacherechedza zuva iri nemusi weChina.
Imwe nhengo yeseneti, Amai Rorana Muchihwa, vanoti chirongwa chekuongororwa gomarara rechibereko munhengo dzemadzimai dziri muparamende chakakosha sezvo chichadzidzisa veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.
Mapurisa arambidza musangano wekuzeya kufambiswa kwemashoko padandemutande nepambozhanhare kuenderera mberi vachiti musangano uyu hauna kupihwa mvumo yekuti uitwe.
Sangano re Red Cross riri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika nekunze kuti zvibatane nemasangano ari kubatsirana nehurumende mukurwisa dambudziko riri kutarisana nemhuri dzakavhiringirwa hupenyu hwadzo nemafashamu.
Sangano re Zimbabwe Olympic Committee rinoti riri kufara zvikuru nekutamba kwaita chizvarwa cheZimbabwe, Luke Steyn, mumitambo ye Men’s Giant Slalom Run 2 yaitwa muguta re Sochi mu Russia neChitatu.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rechirwere chegomarara icho chiri kuuraya vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere pasi rose.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari munhu anozivikanwa munyaya dzemabhizinisi, Va Luxon Zembe, ndivo vadomwa kuva sachigaro mutsva wePremier Service Medical Aid Society, PSMAS.
Nhengo nhatu dze bato re MDC-T dziri kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa mu Glen View, dzapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nhasi.
Imwe yemhuri dzakatamiswa kuminda yemangoda kwaChiadzwa dzichinogariswa patsva ku ARDA Transau kwa Odzi, inoti haisi kufara nemagariro ayiri kuita.
Vatsigiri vatatu vebato idzva re National Constitutional Assembly, NCA, vanonzi vakarohwa zvakaipisisa neSvondo muMbare vakaendeswa kunorapwa ku Avenues Clinic
Rimwe remasangano evagari vemuHarare, re Harare Residents Trust, rinoti richaramba richizeya nekanzuru yeHarare kuitira kuti dambudziko remvura iro rakatarisana nevagari vemuguta rigadziriswe.
Kunyange hazvo hurumende iri kuti yakazvipira kuchengetedza vari kupedza basa semumiriri we Zimbabwe ku Australia, Muzvare Jacqueline Zwambila, avo vanova nhengo ye MDC-T, Muzvare Zwambila pachavo vanoti havasi kudzokera kuZimbabwe.
Mumiriri weZimbabwe mu Australia, Muzvare Jacqueline Zwambila, vanonzi vari kutsvaga hupoteri munyika iyi vachiti vari kutyira hupenyu hwavo kana vakadzokera kumusha panopera temu yavo kupera kwaZvita.
Dambudziko remari rinonzi ratekeshera munyika umo vamwe vagari vemunharaunda dzakasiyana siyana vapihwa mari shoma kana kutotadza kutora mari dzavo mumamwe mabhanga.
Masangano emadzimai nemamwe anoshanda akazvimirira abatana nevaimbi neChishanu muHarare mukubatsira mwana ane makore matatu ari kunetseka nechirwere chegomarara.
Madzimai makumi matatu emu Chitungwiza neekuRuwa asangana neMuvhuro muHarare achikurukura dambudziko rekuputsirwa zvivakwa zvavo nehurumende.
Vatungamiri vesangano re Women of Zimbabwe Arise, WOZA, nevamwe vatsigiri vavo vambochengetedzwa nemapurisa mu Bulawayo kwenguva inodarika maawa mashanu mushure mekunge vafora muguta iri vachishora kutyorwa kwekodzero dzemadzimai.
Hurumende inoti munyika munofanirwa kuva nemitemo inoomesera vose vanobata chibharo vanasikana nemadzimai.
Sangano re African Women Entrepreneurship Program. AWEP, iro riri kutsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe, raparurwa neChina muHarare.
Rodhai zvimwe