Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anomisa Musangano Wanga Uchiitirwa muHotera


GALZ
GALZ
Mapurisa arambidza musangano wekuzeya kufambiswa kwemashoko padandemutande nepambozhanhare kuenderera mberi vachiti musangano uyu hauna kupihwa mvumo yekuti uitwe.

Musangano uyu wange uchiitirwa paBronte Hotel muHarare. Vanhu vaviri vambotorwa ndokuchengetedzwa nemapurisa apo vanga vachibvunzurudzwa.

Vaviri ava, Muzvare Natasha Dowell, avo vanoshanda nesangano re Gays and Lesbian Assocation of Zimbabwe, GALZ , pamwe naVaTawanda Maguze, avo vanga vari chipangamazano pamusangano uyu, vazoregeredzwa zuva radoka.

Muzvare Dowell vapomerwa mhosva yekuita musangano zviri kunze kwemitemo yenyika.

Asi VaMaguze vanzi vachazodaidzwa nemapurisa pachishandiswa masamanisi.

Musangano wamiswa uyu wange uri wemazuva matatu uye wange wave muzuva rechipiri.

Sangano re Zimbabwe Lawyers For Human Rights rinoti riri kushora zvikuru zvaitwa nemapurisa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iremagweta anorwira kodzero dzevanhu iri, Va Kumbirai Mafunda, vanoti chiitiko ichi chinodzora mumashure matanho ange achitorwa ekuyedza kukurudzira kuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG