Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeNCA Dzinorohwa Zvakaipisisa kuMbare


Professor Lovemore Madhuku of the National Constitutional Assembly
Vatsigiri vatatu vebato idzva re National Constitutional Assembly, NCA, vanonzi vakarohwa zvakaipisisa neSvondo muMbare vakaendeswa kunorapwa ku Avenues Clinic.

Vanoziva zviri kuitika vanoti vanhu ava vakarohwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

Vanhu ava vanonzi vaburitswa muchipatara ichi neChipiri.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubato iri, Va Madock Chivasa, vanoti nhengo dzavo dzakarohwa zvakaipisisa muMbare umo vainamira zvinyorwa zvekushambadza vachange vakamirira bato ravo musarudzo dzemakanzura ku Sunningdale.

Sunningdale ine dzimwe nzvimbo dziri muMbare.

VaTakura Gadzira ndivo vari kumirira bato iri mu Sunningdale muWard 12 musarudzo ichaitwa ne musi wa 25 Ndira.

VaChivasa vanoti bato ravo rakamhang'ara chiitiko ichi kumapurisa asi hapana vati vasungwa.

Studio7 haina kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Asi Va Chivasa vanoti bato ravo richaramba richiita basa rekuyedza kutsvaga hutsigiri kunyange nhengo dzavo dziri kushungurudzwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG