Accessibility links

Breaking News

Amai Sekai Holland Vomira neDanho raMuzvare Zwambila


Ambassador Jacqueline Zwambila.
Kunyange hazvo hurumende iri kuti yakazvipira kuchengetedza vari kupedza basa semumiriri we Zimbabwe ku Australia, Muzvare Jacqueline Zwambila, avo vanova nhengo ye MDC-T, Muzvare Zwambila pachavo vanoti havasi kudzokera kuZimbabwe.

Mashoko ekuti hurumende yakazvipira kuchengetedza hupenyu hwaMuzvare Zwambila akataurwa mukupera kwesvondo negurukota rezvemukati menyika, VaKembo Mohadi.

Muzvare Zwambila vange vachifanirwa kudzokera kuZimbabwe zvichitevera kupera kwebasa ravo neChipiri iro vakapihwa munguva yehurumende yemubatanidzwa makore mashanu apfuura.

Muzvare Zwambila, avo vasiri kuzivikanwa pavari kugara kuAustralia ikoko, vakambopomerwa mhosva yekubvisa mbatya dzavo pamberi pevanhu vavanoshanda navo pamuzinda weZimbabwe ku Australia.

Asi munyori akanyora nyaya iyi, Reason Wafawarova, uyo anofungidzirwa kuti anotsigira bato re Zanu PF, akabatwa nemhosva yekunyora manyepo akanzi abhadhare mari kuna Muzvare Zwambila sezvo akasvibisa zita ravo. Asi munyori uyu anoti achapikisa mutongo uyu.

Vachitaura muchirongwa cheStudio7 LiveTalk, Muzvare Zwambila vati vakashungurudzwa zvikuru apo vaishanda vari pamuzinda weZimbabwe muAustralia, izvo zviri kupa kuti vatyire hupenyu hwavo kana vakadzokera kuZimbabwe.

Vatiwo hachisi chinhu nyore kuti munhu atsvage hupoteri sezvo zvichireva kuti haazokwanisi kudzokera kumusha kwake.

Imwe nhengo yebato re MDC-T, Doctor Sekai Holland, vachitaura vakazvimirira semudzimai, vanoti Muzvare Zwambila vanofanirwa kutsigirwa sezvo vari ivo vega vanoziva zviri kuvaitisa kuti vatsvage hupoteri.

Amai Holland vanoti veruzhinji vari kushoropodza danho ratorwa naMuzvare Zwambila vanofanirwa kuvapa nguva yekuti vanzwe divi ravo kuitira kuti vanzwisise chikonzero chaita kuti vatore danho iri.

Amai Holland mumwe wevanhu ve MDC-T vakarohwa zvakaipisisa nemapurisa apo vaida kunonamatira nyika muna 2007.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG