Accessibility links

Breaking News

Madzimai Makumi Matatu Ozeya Dambudziko reKuputsirwa Dzimba


Madzimai makumi matatu emu Chitungwiza neekuRuwa asangana neMuvhuru muHarare achikurukura dambudziko rekuputsirwa zvivakwa zvavo nehurumende.

Madzimai aya asangana achitsvaga nzira dzekuti hurumende isaenderere mberi nehurongwa hwayo hwekuputsira vanhu zvivakwa zvayinoti hazvisi pamutemo.

Mutungamiri we sangano re Southern African Women In Action, uyezve vari nhengo ye Chitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Kuveya, vanoti vaita musangano mu Harare pa Ambassador Hotel wekuzeya kutyorwa kuri kuita kodzero dzemadzimai muChitungwiza nekuRuwa.

Chitungwiza rimwe remaguta ane zvivakwa zvisiri pamutemo zviri kuda kuputswa nehurumende.

Zvimwe zvivakwa zveku Ruwa zvakaputswa nehurumende muna Mbudzi.

Musangano uyu unoitwa apo Zimbabwe nepasi rose iri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa rusarura pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhukadzi.

Muzvare Kuveya vanoti vari kutyira kuti dambudziko ravakasangana naro muChitungwiza mugore ra 2005 panguva ye Operation Murambatsvina apo vanhu vazhinji vakapudzirwa dzimba dzavo, richadzokazve kana hurumende ikaenderera mberi nechirongwa ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG