Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaKambeni Yoyaura neNhamo kuArda Transau


Imwe yemhuri dzakatamiswa kuminda yemangoda kwaChiadzwa dzichinogariswa patsva ku Arda Transau kwa Odzi, mudunhu reManicaland inoti haisi kufara nemagariro ayiri kuita.

Mhuri yekwa Kambeni, iyo iri pabarika, inoti iri kunhonga svosve nemuromo sezvo isina cheuviri uye iri kugara pakamanidzika.

VaKambeni, avo vane makore anodarika makumi mapfumbamwe, vane madzimai gumi nemana, uye vana makumi masere, makumi maviri nevaviri vachiri vadiki vanofanirwa kunge vachienda kuchikoro.

Amai Afia Kambeni, mumwe wemadzimai aVa Kambeni, vanoti ivo semudzimai wechipfumbamwe, vari kurwadziwa sezvo imba yavaigara kwaChiadzwa, yaiva huru inokwanirana nemhuri yavo, kwete pavava kugara.

Amai Kambeni vanoti imba yavo yaive nemipanda mishanu nevharanda uye vange vachigara nevana vavo vana, sezvo mudzimai wega wega akange aine imba yake ega.

Asi pari zvino vanoti vakapihwa imba yekubikira, iyo vari kugara nemamwe madzimai emurume wavo nevana vanosanganisira vamwe vabva zera.

Mhuri iyi imwe yemhuri mazana mana nemakumi manomwe ane imwe chete dzakatamiswa kuenda ku Arda Transau mushure mekuwanikwa kwemangoda munzvimbo yavaigara.

Mhuri idzi dzinoti hadzina pekurima pakakwana, uye vana vazhinji havasi kuenda kuchikoro sezvo vakadzingwa gore rapera nepamusana pekusabhadharirwa mari dzechikoro.

Kunyange hazvo zvikoro zvavhurwa neChipiri, Amai Kambeni vanoti vangoendesa vana vavo kuchikoro, kunyange vasina kunge vabvisa mari dzechikoro dzinodiwa.

Studio7 yaedza kunzwa divi re kambani yeAnjini, iyo inonzi yakavimbisa vagari ava kuvavakira dzimba, asi nhare dzayo dzanga dzisingadavirwe.

Dambudziko redzimba dzinokwanira mhuri iyi riri kuedza kugadziriswa nemagweta anoshanda ne Zimbabwe Lawyers for Human Rights, vakamirirwa negweta, VaBlessing Nyamaropa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubava kuna VaNyamaropa avo vanzi nehofisi yavo vari pazororo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG