WASHINGTON —
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rechirwere chegomarara icho chiri kuuraya vanhu vanoda kusvika mamiriyoni masere pasi rose.
Vanhu vanosvika mamiriyoni mana vanonzi vari kufa nechirwere ichi nguva yavo isati yasvika.
Vanhu vari kunyanya kubatwa nezvirerwe izvi vari pakati pemakore makumi matatu nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe ekuberekwa.
Mutungamiri wesangano re Cancer Association of Zimbabwe, Amai Junior Mavhu, vanoti havasi kucherechedza zuva iri munyika neChipiri sezvo hurumende iri kuronga zuva richacharechedzwa chirwere ichi munyika munguva inotevera.
Amai Mavhu vanoti zvirwere zvegomarara zviri kunyanya kuwanikwa munyika zvinosanganisira gomarara rezamu nechibereko mumadzimai, negomarara resikavanhu nezamu muvanhurume.
Amai Mavhu vanokurudzira kuti veruzhinji vaende kunoongorerwa zvirwere zvegomarara kuitira kuti vawane rubatsiro chirwere chisati chakomba.