Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaita rombo rakanaka rekuwana mukana wekupinda mumakwikwi e Global Students Enterprenuer Awards ari kuitirwa mu Washington muAmerica
Zvikwata zvisere zvemunyika zvinomirira Harare neBulawayo zviri kutarisirwa kukweshana pamakwikwi eSpar Summer Series achatambirwa kuHarare Sports Club nemusi weMugovera neSvondo
Sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti kunyange hazvo mari dziri kubhadhariswa vanorwara nechirwere chegomarara dzakati wandeyi, hurumende ine chirongwa chekubatsira vanoshaya pasi pebazi rinoona nezvekugara kwakanaka kwevanhu munyika.
Pamitambo ye Castle Lager Premier Soccer League yatambwa nhasi chikwata che Highlanders chakunda chikwata che Triangle United 1- 0 kunhandare yeBarbourfields.
Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti varairidzi vari kumaka bvunzo munyika vanofanirwa kunyorerana zvibvumirano nehurumende kuitira kuti zvisazonetsa mangwana.
Gweta riri kumirira VaMorgan Komichi, Va Alec Muchadehama, vanoti VaKomichi vari kupikisa mutongo uyu pamwe nenguva yavanzi vapike.
Kurudziro iyi inotevera kushaya kwakaita vana vatatu avo vanonzi vakafa mushure mekutora mishonga pasi pechirongwa chehurumende chekudzivirira bharaziya.
Munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, vanoti chirongwa chekudzivirira chirwere chebharaziya, icho chakatanga svondo rapera, chichaenderera mberi kwemazuva maviri anotevera.
Gurukota rezvekuyenzaniswa kwemikana pavarume nevanhukadzi, Muzvare Oppah Muchinguri, vashora kubatwa chibaro kuri kuitwa vanasikana munyika.
Hurumende inoti ine hurongwa hwekuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo munyika yose
Zimbabwe yapemberera zuva re United Nations Day paine kurudziro yekuti izadzise zviga zve United Nations zve Millenium Development Goals.
Community Working Group on Health inoti matambudziko ari kusangana neveruzhinji mumaruva anosanganisira kushaya mari yekutenga mishonga yezvirwere zvinorapika.
Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwanira vanhu chikafu chakakwana.
Chafa akabatwa nemhosva yekushandisa mishonga isingabvumidzwe.
Mutambi weDynamos, Devon Chafa, achamira kutamba nhabvu kwemwedzi mitanhatu zvichitevera kuwanikwa aine mhosva yekushandisa mishonga isingabvumidzwe mumitambo.
Hurumende inofanirwa kudzika mitemo inochengetedza kodzero dzevanasikana yakasimba kuitira kuti vana ava vasagare vakashungurudzwa.
Musangano mukuru wemazuva matatu we Sanganai World Travel And Tourism Africa Fair watanga muHarare neChina.
Maziso evakawanda akatarisira zvikuru kumusangano mukuru we Sanganai World Travel And Tourism Africa Fair, uyo uchatanga muHarare neChina.
Nyika gumi nenhatu dzemu Africa dzaita musangano mukuru muWashington DC dzichitsvaga nzira dzekusimudzira hupfumi hwenyika dzemu Africa.
Vanhu vanopfuura zana negumi vari kubatwa zuva rega rega nezvirwere zvinokonzerwa nenyaya dzepabonde kuMasvingo.
Rodhai zvimwe