Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoenderera Mberi neKupa Vana Mushonga Unodzivirira Bharaziya


Zimbabwe
Zimbabwe
Munyori mubazi rezvehutano, Doctor Gerald Gwinji, vanoti chirongwa chekudzivirira chirwere chebharaziya, icho chakatanga svondo rapera, chichaenderera mberi kwemazuva maviri anotevera kuitira kuti vana vasina kuwana mukana wekupihwa mishonga iyi pasi pechirongwa ichi, vapihwewo mishonga iyi.

Pasi pechirongwa ichi, hurumende inoti iri kutarisira kupa mushonga uyu vana vanosvika mamiriyoni mana nemazana manomwe ezviuru munyika yese.

Mwana anopihwa piritsi rimwe cheteka senzira yekudzivirira chirwere ichi.

Chirongwa ichi chiri kuitwa muzvikoro nedzimwewo nzvimbo munyika yose.

Va Gwinji vanoti gurokota rehutano, Va David Parirenyatwa, vari kuyedza kuita zvese zvavanogona mukuzivisa vabereki zvakakoshera kuti vana vavo vatore mushonga uyu.

Vamwe vabereki vanoti vange vasiri kuziva kuti seyi vana vavo vange vachipihwa mishonga iyi, ivo vasina ruzivo nezvemishonga iyi.

VaGwinji vanoti vana vanopihwa mushonga uya vanoudzwa nevamukoti kuti vanofanirwa kunge vadya vasati vapihwa piritsi rimwe chete.

VaGwinji vanoti vari kufara nehuwandu hwevana vakakwanisa kupinda muchirongwa ichi uye vanotarisira kuti vana vakawanda vachakwanisa kupihwa mushonga uyu mumazuva maviri anotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG