Accessibility links

Breaking News

Muzvare Amanda Lieto Votarisira Kukunda muMakwikwi aVana Muzvinabhinesi veChidiki


Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chakaita rombo rakanaka rekuwana mukana wekupinda mumakwikwi e Global Students Enterprenuer Awards ari kuitirwa mu Washington muAmerica.

Muzvare Amanda Lieto vari mumakwikwi aya, ayo akarongwa ne International Enterprenuer’s Organisation, iyo inosimudzira zvemabhizinesi anoitwa nevechidiki pasi rose.

Muzvare Lieto vachange vakamirira Zimbabwe pamakwikwi aya, ayo ane vana muzvinabhizinesi vechidiki makumi mana nevaviri vanobva munyika dzakasiyana siyana.

Muzvare Lieto vanoti pasi pemakwikwi aya, nyika inenge yahwina ichapihwa zviuru gumi zvemadhora, uye rubatsiro rwezviuru zana nemakumi maviri nezvishanu zvemadhora.

Muzvare Lieto vanoti vakatanga bhizinesi ravo vari kuUniversity of Zimbabwe.

Vachange vari muWashington kusvikira neSvondo. Muzvare Lieto vanoti vari kushuwira kuti vatore mubairo kuitira kuti vakwanise kunosimbisa kambani yavo kana vadzokera kuZimbabwe.

Vanoti ruzivo rwavo rwezvemabhizinesi vakariwana kubva kuchikoro chepamusoro che University Of Zimbabwe uye vanoda kuzopawo ruzivo rwavo kuvadzidzi vepachikoro ichi vanodawo kutanga mabhizinesi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG