Accessibility links

Breaking News

Devon Chafa Anomiswa Kutamba Nhabvu kweMwedzi Mitanhatu neFifa


Dynamos FC
Mutambi weDynamos, Devon Chafa, achamira kutamba nhabvu kwemwedzi mitanhatu zvichitevera kuwanikwa aine mhosva yekushandisa mishonga isingabvumidzwe mumitambo.

Izvi zvaziviswa neMuvhuro nesangano re Zimbabwe Football Association, ZIFA, mushure mekunge raudzwa nezvedanho iri neFIfa.

Sangano re ZIFa rinoti Chafa aziviswa nezvemutongo waapihwa neFifa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano reZIFA, Va Xolani Gwesela, vanoti Fifa yakapa mutongo uyu zvichitevera ongororo yakaratidza kuti Chafa akange ashandisa mishonga iyi zvisiri pamutemo.

Sachigaro vechikwata cheDynamos, Va Kenny Mubaiwa, vanoti vanotambira mutongo waturwa ne Fifa.

Mutsamba yanyorwa nesangano reFifa kuZIFA, Dynamos yayambirwa kuti isabhadhare Chafa cheruviri panguva apo achange akamiswa basa. Sangano iri razivisa zvakare kuti rikaziva kuti Chafa ange achitambiriswa muhoro nechikwata chake, vanenge vaita izvi vachabatwa nemhosva.

VaMubaiwa vanoti zviri nani kuti Chafa amiswe kutamba kwemwedzi mishoma pane kuti amiswe kutamba nhabvu kwehupenyu hwake hwese sezvinomboitika kune dzimwe nyika.

VaMubaiwa vanoti chikwata chavo chichamira naChafa panguva ino uye chichashandisa chiitiko ichi kuti chidzidzise vamwe vatambi kuipa kwakaita kutora mishonga isingabvumidzwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG