Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kudzika Mitemo Inochengetedza Vanasikana


Hurumende inofanirwa kudzika mitemo inochengetedza kodzero dzevanasikana yakasimba kuitira kuti vana ava vasagare vakashungurudzwa.

Mashoko aya ataurwa neChishanu nsangano re Tag A Life International pazuva rekucherechedza zuva revanasikana pasi rose, re International Day Of The Girl Child.

Mutungamiri we sangano iri, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti neChishanu pange pane zvirongwa zvakawanda zvekurangarira zuva iri zvaitwa nemasangano akasiyana siyana anoshanda nevanasikana.

Muzvare Mashayamombe vanoti matambudziko anosangana nevanasikana achakawanda kunyanya kushaikwa kwemukana wekuti vaende kuchikoro kana mari yashomeka mumhuri.

Sangano re United Nations rinoti zuva rekodzero dzevanasikana riri kucherechedza pasi rose pasi pedingindira rinonzi Innovating For Girls Education.

Vachitaura padandemutande repaindaneti yeUnited Nations, munyori mukuru musangano iri, Va Ban Ki-Moon, vakurudzira pasi rose kuti rikurudzire zvirongwa zvedzidzo dzevanasikana.
XS
SM
MD
LG