Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reKuwanira Vanhu Chikafu Pasi Rose


Zimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuwanira vanhu chikafu chakakwana, kana kuti World Food Day.

Hurongwa hwemuZimbabwe hwaitirwa ku Tshongwe Irrigation Scheme ku Lupane, mudunhu reMatabeleland North.

Izvi zvaitwa nehurumende yakabatana nesangano re World Food Program pasi pedingindira rinoti “Sustainable Food Systems For Food Security and Nutrition”.

Vachitaura vakamirira sangano re World Food Programme, Va Tomson Phiri, vanoti gore rino veruzhinji vakatarisana nedambudziko renzara munzvimbo dzakawanda. VaPhiri vanoti sangano ravo richatanga zvirongwa zvekupa vanhu chikafu munguva pfupi inotevera.

Vanhu vachada rubatsiro rwechikafu muZimbabwe vanodarika mamiriyoni maviri.

VaPhiri vanoti sangano ravo rakatogadzirira chikafu nemari yekupa avo vakatarisana nenzara. VaPhiri vanoti vari kushanda nevarimi nemamwe masangano emumaruma umo vari kuyedza kutsigira zvirongwa zvekushandisa madiridziro mukurima zvirimwa zvinoita kuti nyika isatarisane nenzara.

VaPhiri vanoti pari zvino dambudziko riri kutarisana nevarimi ndere kushaikwa kwemvura yakakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG