Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yopemberera Zuva reUnited Nations Day


UN Flag
Zimbabwe yapemberera neChitatu zuva re United Nations Day paine kurudziro yekuti izadzise zviga zveUnited Nations zve Millenium Development Goals.

Kunyange hazvo zuva iri rakacherechedzwa pasi rose musi wa 24 Gumiguru, Zimbabwe yaita mhembero yayo neChitatu pa Chitungwiza Hospital, sezvo isina kukwanisa kuita cherechedzo iyi pazuva rakatarwa.

Vachitaura pamhemberero iyi, gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vanoti hurumende ichasimbaradza hukama hwayo nemamwe masangano kuitira kuti huwandu hwemadzimai ari kufa panguva yekubereka, hudzikire.

Vachitaurawo pamusangano uyu, murongi wemabasa e United Nations muZimbabwe, Va Allain Noudehou, vatiwo dambudziko rekufa kwemadzimai apo vanenge vava kubatsirwa richiri guru, kwete muZimbabwe chete, asi kuti pasi rose.

Vati izvi zvinofanirwa kugadziriswa. MuZimbabwe, pavana zviuru zana vanoberekwa, pane madzimai akazvitakura anofa mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu.

Vachitaurawo pagungano iri, mukuru wesangano re Women’s Action Group, Amai Edna Musiiwa, vakurudzira hurumende kuti ibatsire nekubvisa mari dzinobhadharwa nemadzimai akazvitakura kuitira kuti vasawanikwe vachitadza kunotsvaga rubatsiro nepamusana pekushaya mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG