Accessibility links

Breaking News

FIFA: Masangano Ane Chekuita neNhabvu Haakwanise Kubatsira Chafa


Dynamos and Zimbabwe Warriors midfielder, Devon Chafa. (Photo/Citizen Journalist)
Sangano rinomirira vatambi venhabvu munyika, re Footballers Union Of Zimbabwe, FUZ, rinoti mawoko aro akasungwa ne FIFA panyaya yekubatsira mutambi we Dynamos, Devon Chafa, uyo akamiswa kutamba bhora kwemwedzi mitanhatu ne FIFA.

Chafa akabatwa nemhosva yekushandisa mishonga isingabvumidzwe.

Munyori mukuru wesangano iri, Va Paul Gundani, vanoti FIFA yakazivisawo kuti masangano ese ane chekuita nesangano iri haabvumidzwe kubatsira Chafa panguva iyo achange asingabvumidzwe kutamba nhabvu.

Asi vamwe vatsigiri ve chikwata cheDynamos vari kukurudzirana kuti vaunganidze mari yekubatsira Chafa. Vanoshandisa dandemutande re Facebook se Dembare.com, vari kukurudzirawo vatsigiri vaChafa kuti vatsvage nzira dzekumubatsira nadzo.

Va Gundani vanoti sangano ravo nemamwe masangano enhabvu anofanirwa kushandisa mutongo wapihwa Chafa mukudzidzisa vatambi vechidiki kuti vasatore zvinodaka.

VaGundani vanoti basa resangano ravo nderekugadzirisa nhunha dzevatambi venhabvu vemunyika asi panyaya ya Chafa zvinonetsa kuti vawanikwe vachimubatsira necheruviri sezvo vanenge vave kutyora mitemo yeFIFA.

Sangano re Dynamos rinoti richatsigira Chafa panguva apo achange akamiswa kutamba nhabvu asi vachaita izvi zviri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG