Accessibility links

Breaking News

VaKomichi Vopika Jeri Vachibva Kumba


VaMorgan Komichi.
Mutevedzeri wasachigaro weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, Va Morgan Komichi, vawanikwa nedare vaine mhosva yekutyora mitemo yesarudzo, ndokubva vatemerwa kushanda maawa mazana matatu nemakumi mashanu.

VaMorgan Komichi, avo vanga vachitongwa vachibva kuChikurubi Maximum Remand Prison kubva pavakasungwa muna Chikunguru, vachange vachipika vachibva kumba kwavo.

Gweta riri kumirira VaKomichi, Va Alec Muchadehama, vanoti VaKomichi vari kupikisa mutongo uyu pamwe nenguva yavanzi vapike.

VaMuchadehama vanoti kunyange hazvo Va Komichi vafara pavanzwa mutongo wavo uyo uchavapa mukana wekuburitswa muhusungwa kuti vaenda kunova nemhuri yavo, havasi kufara nekunzi vaende kunoshanda vachiita basa pamahofisi ehurumende.

VaKomichi vari kutarisirwa kutanga kuita mutongo wavo nemusi weMuvhuro.

VaKomichi vakasungwa munguva yesarudzo dze special vote vachipomerwa mhosva yekuti vakanga vawanikwa vaine magwaro ekuvhotera.

Asi VaKomichi vanoti vakaona magwaro ekuvhotera akandwa mubhini ndokubva vaenda nawo kuvakuru veZimbabwe Electoral Commission vachida kuvazivisa nezvemagwaro aya.

Asi VaKomichi vanoti nyaya iyi yakabva yavapandukira, vakapedzisira vonzi ndivo vakanga vapara mhosva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG