Accessibility links

Breaking News

Musangano weSanganai World Travel Expo Wotanga neChina muZimbabwe


Victoria Falls
Maziso evakawanda akatarisira zvikuru kumusangano mukuru we Sanganai World Travel And Tourism Africa Fair, uyo uchatanga muHarare mangwana.

Vana muzvinabhizinesi pamwe nevanoita mabasa ekusimudzira kushanya nekushanyirwa kwenyika pasi rose vanonzi vatove muZimbabwe kuti vange vari pamusangano uyu.

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vaudza vatori venhau neChitatu muHarare kuti zvinhu zviri kufamba zvakanaka chose.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano re Zimbabwe Tourism Authority, Va Sugar Chagonda, vanotiwo makambani mazhinji kusanganisira ekunze, achange achishambadza mabasa awo pamusangano uyu.

VaChagonda vanoti musangano wegore rino une vana muzvina bhizinesi nevacharatidza zviratidzwa zvavo vakawanda kudarika vakauya gore rapera.

VaChagonda vanoti musangano uyu wemazuva matatu uri kutarisirwa kubuda nezvibvumirano zvemabhizinesi zvakawanda izvo zvinotarisirwa kuvandudza hupfumi hwenyika mune remangwana.

VaChagonda vanoti chinangwa chemusangano uyu ndeche kukwezva vashanyi vekune dzimwe nyika vakawanda kuitira kuti vashanyire nyika nekuita zvirongwa zvakadai semisangano yepamusoro munyika.

VaChagonda vanoti izvi zvichabatsira mukusimbaradza bhizinesi rekushanya nekushanyirwa kwenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG