Accessibility links

Breaking News

Musangano weSanganai World Travel Expo Wotanga muHarare


Victoria Falls
Victoria Falls
Musangano mukuru wemazuva matatu we Sanganai World Travel And Tourism Africa Fair watanga muHarare neChina.

Musangano uyu uri kupindwa nemakambani ezvekushanya nekushanyirwa kwenyika vanobbva munyika dzakasiyan siyana.

Vana muzvinabhizinesi vanodarika chiuru nemazana mana vari kuita misangano yekuzeya nzira dzekuvandudza hupfumi hwenyika kuburikidza nebhizenesi munyaya dzekushanyirwa.

Mukuru wekambani ye Africa Sun, Va Shingi Munyeza, vanoti misangano yakadai yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira mukutsvaga nzira itsva dzekukwezva nadzo vashanyi munyika.

Musangano uyu waparurwa zviri pamutemo neChina manheru negurukota guru muhofisi yemutungamiri wenyika, Va Simon Khaya Moyo, avo vaudza vashanyi kuti pane zvizhinji zvichagadziriswa panyaya yemavhiza kuitira kuti kushanya nekushanyirwa kuite nyore.

Musango uyu unoitwa mushure memusangano mukuru we United Nations World Tourism Organisation (UNWTO) uyo wakaitirwa kuVictoria Falls ne Livingstone muna Nyamavhuvhu gore rino.

Vachitaura mumisangano yaitwa neChina, gurukota rekushanya nekushanyirwa kwenyika,Va Walter Mzembi, vanoti vari kufadzwa nehuwandu hwevashanyi vauya kubva kunze kwenyika kuzotsigira musangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG