Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoronga Imwe "Operation Murambatsvina"


Hurumende inoti ine hurongwa hwekuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo munyika yose. Izvi zvataurwa neChina negurukota rezvematunhu, Va Ignatious Chombo.

Vachitaura nezvechirongwa ichi pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, VaChombo vati hurumende ichatanga nekupinda mu Chitungwiza pamwe nenzvimbo dzekwa Seke ichiputsa zvivakwa zvose zvisiri pamutemo.

Kana hurumende yapedza neChitungwiza, VaChombo vanoti chirongwa ichi chichapinda mudzimwe nzvimbo kudzamara nyika yose yasara isina zvivakwa zvisiri pamutemo. Izvi zvichaitwawo munzvimbo dzekumaruwa.

Meya weChitungwiza, Va Phillip Mutoti, avo vange vana VaChombo muHarare pavaburitsa hurongwa uhu, vanoti vachakumbira hurumende kuti isangoputsa zvivakwa zvose zvisiri pamutemo sezvo paine zvimwe zvivakwa zvakavakwa neznira kwayo.

VaMutoti vanoti dzimba dzinodarika zviuru gumi dziri kutarisirwa kupatswa, izvo zvichasiya mhuri dzakawanda dzisina pekugara.

VaMutoti vanoti pari zvino hapasati pave nehurongwa hwekuti vachapwanyirwa dzimba ava vachaendeswa kupi.

Muna 2005 hurumende yakaputsira vanhu dzimba nezvivakwa zvavo, izvo zvakasiya vanhu vanodarika mazana manomwe ezviuru vasina pekugara.

Chirongwa chehurumende che Operation Murambatsvina chakashorwa nesangano re United Nations, mushure mekunge yakatuma nhumwa yayo kuzoongorora huwandu hwevanhu vakasara voshupika mushure mekunge vaputsirwa dzimba dzavo.

Imwe nhengo yebhodhi re Chitungwiza Residents Trust, Muzvare Alice Diana Kuveya, vanoti zvinorwadza kuti vamwe vanhu havasati vapedza kuchema zvakaitika kwavari panguva ye Operation Murambatsvina, uku hurumende youya zvakare nehurongwa hwekuputsira vanhu ava dzimba dzavo.

Muzvare Kuveya vanoti vachaedza kutaura nehurumende sezvo nguva iri kuda kuitwa chirongwa ichi, iri nguva yekunaya kwemvura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG