Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzirwa Kuti Vangwarire Mishonga yeBharaziya


Imwe nyanzvi munyaya dzezvirwere zvinotapuriranwa inoti vabereki vane vana vari kupihwa mishonga yekudzivirira chirwere chebharaziya vagare vakangwarira sezvo vamwe vana vachikwanisa kuvhiringwa nemishonga iyi.

Nyanzvi iyi inoti vabereki kana vachinge vaona vana vavo vasiri kunzwa zvakanaka mushure mekutora mishonga iyi, vanofanirwa kuvaendesa kumakiriniki kana kuzvipatara nekukurumidza.

Kurudziro iyi inotevera kushaya kwakaita vana vatatu avo vanonzi vakafa mushure mekutora mishonga pasi pechirongwa chehurumende chekudzivirira bharaziya.

Va Takafira Duluza chipangamazano chebazi rezvehutano muchirongwa ichi, uye vachishanda ne University Of Zimbabwe mubazi re Biology and Immunology.

Va Duluza vanoti ongororo yavakaita pamusoro pemishonga iyi inoratidza kuti mishonga iyi haifanirwe kunge ichikonzera rufu.

Mumwe mwana wechikoro paMutimi High School kuZaka, Brien Chimbunde, anoti bazi rezvehutano rinofanirwa kuzivisa vabereki, kunyanya vemumaruva pamusoro pezvirongwa zvakadayi pachine nguva.

Brien anoti pachikoro pavo aiona vamwe vana vachifenda mushure mekunwa mapiritsi aya.

Brien anoti vamwe vevana ava vaipihwa mishonga iyi vaine nzara, izvo zvaizoita kuti vafende.

Brien anoti haana kutora mishonga iyi sezvo vana vaipihwa mishonga iyi vari pasi pemakore gumi nemashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG