WASHINGTON —
Masangano emadzimai nemamwe anoshanda akazvimirira abatana nevaimbi neChishanu muHarare mukubatsira mwana ane makore matatu ari kunetseka nechirwere chegomarara.
Amai vemwana uyu, Anotipa, Amai Rudo Chigudu, vanoti vari kuda kuunganidza mari inodarika zviuru makumi maviri zvemadhora yekuti vakwanise kuenda kuIndia kuchanorapwa Anotipa.
Amai Chigudu vanoti vanofanirwa kugara muIndia kwemwedzi mina vachirapisa mwana wavo sezvo munyika musina hunyanzvi hwepamusoro hunodiwa pakurapa chirwere ichi.
Amai Chigudu vanoti vachasimuka munyika neSvondo vakananga ku India uko vachanorapisa mwanakomana wavo.