Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzira Kuongororwa Chirwere cheTB


Apo pasi rose rabatana neMuvhuro kucherechedza zuva reWorld Tuberculosis Day, bazi rinoona nezvehutano rinoti hurumende ichacherechedza zuva iri nemusi weChina.

Pasi rose riri kurangarira zuva iri pasi pe dingindira inoti Reach the 3 million mukuyedza kurwisa chirwere ichi.

Sangano re World Health Organisation rinoti chirwere ichi chakauraya vanhu vanosvika 1.3 million pasi rose uye chikabata vanhu vanosvika 8.6 million mugore ra 2012.

Vazhinji vakabatwa nechirwere ichi vanonzi vanhu vange vachibva kunzvimbo dzisina kubudirira.

Mukuru wezvirongwa zve HIV/AIDS and TB mubazi rezvehutano, Dr Owen Mugurungi, vanoti veruzhinji vanofanirwa kuenda kunovhenekwa kuzvipatara kuitira kuti vapihwe mushonga kana vachinge vafungidzira kuti vane chirwere ichi.

Dr Mugurungi vanoti mishonga yekurapa chirwere ichi inowanikwa pachena uye varuzhinji havafanirwe kutyisidzirwa neavo vanotaura kuti kana munhu abatwa neTB anenge atove nehutachiwona hwe HIV sezvo mune dzimwe nguva zvisiri izvo zvinenge zvichiitika.

Sangano re Doctor For Human Rights rinotsinhira mashoko aDr Mugurungi richiti veruzhinji vanofaminirwa kuenda kunovhenekwa sezvo chirwere che TB chichirapika uye mishonga ichiwanikwa pachena muzvipatara zvehurumende.

Mutungungamiri we sangano iri, Dr Rutendo Bonde, vanoti pari zvino kunyange hazvo pachiri nedzimwe mhando dzechirwere che TB dzisisarapike nemishonga iri kuwanikwa mazuva ano veruzhinji vanofanirwa kuenda vachinowonekwa kuti vane mhando ipi yechirwere ichi.

Dr Mugurungu na Dr Bonde vese vanoti veruzhinji vanenge vaona vachiramba vachikosora kwenguva inodarika masvondo matatu vachishaya simba nekudikitira vakarara, vanofanirwa kuenda kunovhenhekwa sezvo idzi dzingangove mviromviro dzechirwere cheTB.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG