Accessibility links

Breaking News

Harare Residents Trust Yoramba Ichirwira Vagari vemuGuta


Woman carries water collected from a broken main water supply pipe in Kambuzuma, Harare (2009 photo)
Rimwe remasangano evagari vemuHarare, re Harare Residents Trust, rinoti richaramba richizeya nekanzuru yeHarare kuitira kuti dambudziko remvura iro rakatarisana nevagari vemuguta rigadziriswe.

Mukuru wesangano iri, Va Precious Shumba, vanoti nzvimbo dzakawanda muguta re Harare dzanga dzisina mvura panguva yezororo rekisimusi negoredzva.

Vanotiwo kanzuru yakavharira vamwe vagari mvura vange vane zvikwereti zvemari shoma.

Studio7 yayedza kunzwa divi rekanzuru yeHarare panyaya iyi, asi nhare dzavo dzanga dzisingadavirwe.

VaShumba vanoti tarisiro yavo ndeyekuti vagari vemuHarare vasarambe vachitarisana nedambudziko remvura gore rino ra 2014.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG