Accessibility links

Breaking News

Munyori Ane Mukurumbira muAmerica Maya Angelou Anoshaya.


Munyori ane mukurumbira zvikuru muAmerica nepasi rose uye ari nyanduri achirwirawo kodzero dzevanhu, Maya Angelou akashaya neChitatu.

Maya Angelou uyo ange ave nemakore makumi masere nematanhatu ekuberekwa akashaikira kuWinston-Salem kuNorth Carolina.

Nganonyorwa yake ine mukurumbira yakanyorwa muna 1970 inonzi, “I know why the caged bird sings”.

Maya akaberekwa kuSaint Louis kuMissouri asi akakurira ku Arkansas. Anonzi akambotadza kutaura kwemakore mashanu mushure mekubatwa chibharo.

Muna 1993 pakutoreswa kwavo mhiko yekuva mutungamiri weAmerica vaBill Clinton vakakumbira Maya Angelo kuti anyore detembo iro akaverengera vanhu muWashington DC.

Muna 2011 Maya akapihwa chiremera chepamusoro soro muAmerica cheFreedom Medal nemutungamiri wenyika vaBarack Obama.

Amai Angelou vakamboroorwa nemurume wekuSouh Africa vakagara muEgypt neGhana.

Mumwe weavo vanofarira zvinyorwa zvaAmai Angelou Muzvare Farai Samhungu vanoti kushaya kwemunyori mukuru uyu uyu kurasikirwa kukuru pasi rose zvikuru panyanya dzekurwira kodzero dzemadzimai sezvo ainyora zvinyorwa zvekukurudzira kodzero dzevanhukadzi.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG