Accessibility links

Breaking News

Mabasa Akaipa eBoko Haram Oshorwa muZimbabwe


Sangano re Crisis In Zimbabwe Coalition rabatana nemamwe masangano anomirira kodzero dzevana nemadzimai munyika mukaratidzira kusafara kwemasangano aya nekupambwa kwakaitwa vanasikana vanodarika mazana maviri kuNigeria mwedzi wapera.

Vanasikana ava vakapambwa nechikwata chinopfurikidza mwero cheBoko Haram.

Nhengo dzemasangano aya dzaratidzira kunyunyuta kwadzo vachifamba vakatakura zvinyorwa muguta re Harare.

Imwe nhengo yebhodhi re Crisis In Zimbabwe Coalition, Va Mehluli Dube, vanoti vakwanisa kuendesa zvinyorwa zvinoratidza kusafara kwavo kumapoka maviri anoshanda neNigeria nekumuzinda we Nigeria uri muHarare.

VaDube vanoti shuviro yavo ndeyekuti vatungamiri vehurumende dzemuAfrica vabatane ne Nigeria mukutsvaga nzira dzekudzosa vanasikana ava.

Sangano re United Nations riri kutarisirwa neChina kutemera zvirango chikwata che Boko Haram.

Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa ne Nigeria kuti Boko Haram iiswe pazvikwata zvakaita se Al-Qaida.
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG