WASHINGTON —
Vamwe vagari vekwa Magokova kuChisumbanje mudunhu reManicaland vanoti havasi kufara nekuparadzwa kuri kuitwa zvirimwa zvavo izvo zvavari kuda kukohwa.
Zvirimwa izvi zvinonzi zviri kuparadzwa nevanonzi vashandi vekambani yeGreen Fuel.
Kambani iyi pari zvino iri mugakava nevagari vemunzvimbo iyi nedzimwe nzvimbo dziri munharaunda iyi pamusoro peminda inonzi nevamwe vagari dzeyavo asi kambani iyi ichitiwo ndeyayo.
Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaWilson Chibeza, vanoti vakawana chibage chavo chainge chaibva chaparadzwa mazuva maviri apfura.
Vanoti vamwe varimi vari kurimirwa pasi zvirimwa zvavo zvakaita sedonje range ratotumbuka.
Studio 7 yayedza kutaura nekambani ye Green Fuels, asi mumwe mushandi wekambani iyi, Va Andrew King, vati Studio 7 iite zvekuvanyorera mibvunzo. Asi VaKing varamba kuti kambani yavo iri kuparadzira vanhu zvirimwa zvavo.