Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi Voshoropodza Kupambwa kweVanasikana kuNigeria


Madzimai anoshanda nemasango anorwira kodzero dzevana nemadzimai neMuvhuro akaenda kumuzinda we Nigeria mu Harare uko vasiya zvinyorwa zvinokurudzira mutungamiri wenyika iyi, VaGoodluck Jonathan, kuti vaite zvose zvavanokwanisa kuitira kuti vanasikana vakapambwa nechikwata chinopfurikidza mwero che Boko Haram vadzoswe kuvabereki vavo.

Vamwe vevasikana ava, avo vakapambwa muna Kubvumbi, vaburitswa pamavhidhiyo nechikwata ichi vakapfekedzwa mbatya dzechitendero dzechi muslim vachinzi vakatotendeudzwa kuti vatevere chitendero ichi.

Chikwata ichi chinoti chicharegedza vasikana ava kana vamwe vavo vakasungwa varegererwa nehurumende yemunyika iyi.

Mumwe weavo vaendesa zvinyorwa izvi kumuzinda weNigeria, uye vari mutungamiri we sangano re Tag A Life International, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe, vanoti vatambirwa zvakanaka nemumiriri weNigeria muZimbabwe, Ambassador Mamman Nuhu.

Muzvare Mashayamombe vanoti zvinyorwa izvi zvange zvakanyorerwa mutungamiri weNigeria, Va Goodluck Jonathan, avo vachasvitswa naVa Nuhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG