Accessibility links

Breaking News

Sangano ReChitungwiza Residents Trust Rotura Zvichemo Zvedunhu Iri KuParamende


Parliament of Zimbabwe
Sangano rinomiririra vagari vemuChitungwiza reChitungwiza Residents Trust nhasi raita musangano nekomiti yedare reparamende inoona nezvematunhu.

Sangano iri raudza komiti iyi kuti hairisi kufara nekuputsirwa dzimba, huori ne kushaya mvura nezvimwe.

Komiti iyi yavimbisa kuongorora nyaya idzi.

Mukuru weChitungwiza Residents Trust va Marvellous Khumalo vanoti misangano yakadai inobatsira kuti vedare vazive mamiriro akaita munharaunda dzavo.

Vagari veChitungwiza varikushora kanzuru yavo iyo vanoti irikushaya hanya navo zvikurasa panyaya dzekushaikwa kwemvura yakachena iyo inonzi munedzimwe dzvimbo haisi kuwanikwa kwenguva ndefu.

VaKhumalo vanoti vedare vatambira zvichemo zvavo vavimbisa kuti vachatsvaga nzira dzekuti nhuna dzevagari vemuChitungwiza dzigadziriswe.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG