Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMunyori Amai Sharai Mukonoweshuro Koshungurudza Vakawanda


Mukuru we sangano reNational Arts Council va Elvas Mari vanoti nyika yakarasikirwa zvikuru nekushaikwa kwemunyori ane mukurumbira Amai Sharai Mukonoweshuro avo vakashaya nemusi weSvondo mushure mekurwara nechirwere chegomarara. Vange vave nemakore makumi manomwe nemana.

Amai Mukonoweshuro vakaradzikwa kuGlen Forest mu Harare nechitatu. Muchakabvu vanozivikanwa nekunyora mabhuku anosanganisa “Ndakakutadzirei” rakanyorwa mugore ra 1979, ne mamwe anoti “Akarufatidzwa Mwoyo" rakanyorwa mu gore ra 1983 na "Ndakagara ndazviona rakanyorwa," mugore ra 1990.

Mamwe mabhuku aAmai Mukoweshuro akambo shandiswa nevadzidzi mubvunzo dzeShona dze “O” level. Amai Mukonoweshuro vasiya vana vatanhatu nevazukuru gumi nevashanu.

Vamwe vanyori navana nyanduri vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekushaya kwegamba munyaya dzekunyora mabhuku.
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG