WASHINGTON —
NeChishanu nzira dzose dzakange dzakananga kuAtlanta Georgia, muAmerica apo zvizvarwa zveZimbabwe zvakasangana pagungano re ZimExpo rinoitwa gore negore.
Pagungano iri panenge pachiitwa zvemabhizimisi, zvemitambo, zvekuratidzira mabasa ari kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica nekumusha.
Hurongwa hweZimExpo hunopera zviri pamutemo neMuvhuro, kunyange hazvo vanhu vakawanda vanenge votanga kuparara nemusi weSvondo.
Vanowona nezvekufambiswa kweZimExpo, VaAnesu Manjengwa, vanoti vari kufara zvikuru nemarongerwo ari kuitwa chirongwa ichi.
VaManjengwa vanoti vakakoka vaimbi vanoti Tariro Negiratare, nevamwe vanoridza musambo weDancehall.
Asi muimbi, Nox Guni, uyo ainge akatarisirwawo pagugano iri haaana kuzoenda.
VaManjengwa vanoti pachange paine mutambo wekutsvaga tsvarakadenga yegore rino pamakwikwi eZimExpo Beauty Pageant. Makwikwi aya anoitwa gore negore uye abatsira zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe kuti zviwane mabasa epamusoro kune mamwe makambani emuAmerica.
VaManjengwa vanoti vane zvirongwa zvekukwezva vechidiki zvichange zviri pagungano iri senzira yekuyedza kuti remangwana rekambani yavo rirambe rakajeka.
.