WASHINGTON —
Zvizvarwa zveZimbabwe ne Zambia gumi nezviviri zviri muAmerica umo zvirikuita zvidzidzo pasi pe chirongwa che 2014 Meridia Professional Fellows Progragramme icho chiri pasi pedingidira re kukurudzira zvemabhizinesi "economic empowerment”.
Zvizvarwa izvi zvange zvakamirira mabhizinesi akasiyana siyana anosanganisira zvekurima, kushanyiranwa, nezvimwewo.
Vana muzvinabhizimisi ava vange vari muAmerica kwe mavhiki mashanu uye vakakwanisa kushanyira nzvimbo dzinoti Charlotte, North Carolina ne Denver Colorado muAmerica uye zvikawana mukana wekushanyira zvikoro zvedzidzo yepamusoro munyaya yemabhizimisi.
Chirongwa che Meridian Professional Fellows Programs chinobatsira vana muzvina bhizinesi vechidiki vemuAfrica kuti vawane hunyanzvi mumabhizinesi kuitira kuti vazodzokera kunyika dzavo vachizopakurira vamwe ruzivo urwu.
Vanamuzvina bhizinesi vari pachirongwa ichi vanosanganisira mukuru wekambani ye i The Open Book Project Ltd mu Harare VaTafadza Makura.
Vamwe varipo mukuru we Chikosi Technology CorporationVaTawanda Chikosi, mukuru wekambani yekushanyirana yeSanning Travel muzvare Moreblessing Sigauke. Mukuru mukambani inoita zvekurima yeGreat Mountains VaGerald Mangena, mukuru we Aurafactor- Public Relations/Brand Management VaNonto Masuku uye mukuru wekambani yeComputer Troubleshooters VaRinesh Desai.
Muzvare Sigauke vanoti varikufadzwa nechirongwa che Meridian Professional Fellows Programme uye vachashandisa dzidzo yavakawana muAmerica kuti varandudze mabasa avakuita mu Zimbabwe.