WASHINGTON —
Mukuru wesangano re Zimbabwe Diabetic Assocaiton, VaNgoni Chigwana, vanoti vari kufara nekusarudzwa kwakaita nyika seimwe yenyika nhatu pasi rose dzichawana rubatsiro kubva kusangano re International Diabetes Federation, IDF.
Rubatsiro urwu nderwekuparura makiriniki ekurapa vanhu vane chirwere cheshuga.
Sangano iri richabatana nebazi rezvehutano pamwe neUniversity Of Zimbabwe muchirongwa ichi.
Makiriniki aya achange ari pazvipatara zveHarare ne Parirenyatwa, uye ari pasi pechirongwa che IDF Bridges Research Net Program.
VaChigwana vanoti makiriniki aya achange achirapa zvirwere zvinosanganisira zvironda zvinoita mumakumbo eavo vanorwara neshuga kuitira kuti vasadamburwa makumbo kana vakasakwanisa kurapwa nguva ichiripo.
Va Chigwana vanoti zvimwe zvirwere zvichange zvichirapwa mumakiriniki aya zvinosanganisira zvemaziso nezvimwewo.
Dambudziko rechirwere cheshuga rinonzi riri kuwanikwa kuvazhinji munyika kubvira kuvana vadiki kusvika vakuru.
VaChigwana vanoti veruzhinji vanofanirwa kuenda kuzvipatara kunotariswa kuti vane chirwere ichi here kuitira kuti vawane rubatsiro nguva ichiripo.
VaChigwana vanoti vanhu vanogona kurarama nacho kana vakadzidziswa matanho ekutora kana vachinge vawanikwa vanacho.