Accessibility links

Breaking News

Mitambo yePSL Yotanga neMugovera neSvondo



Sangano renhabvu yepamusoro soro munyika, Premier Soccer League, PSL, rinoti rakawana rutsigiro kubva kukambani ye Delta Beverages rwemari inosvika mamiriyoni matatu nemazana matanhatu ezviuru zvemadhora.

Kushaikwa kwerutsigiro rwemari ndiko kwakapa kuti mwaka wenhabvu unonoke kutanga.

Mashoko aya ataurwa nemukuru we PSL, Va Kennedy Ndebele, pamberi pemitambo yegore rino iyo ichatanga neMugovera neSvondo.

Zvikwata zvitsva mwaka uno zvinoti Chapungu, Bantu Rovers, ZPC Kariba ne Chiredzi.

VaNdebele vanoti pari zvino zvinhu zviri kufamba zvakanaka uye vari kutarisira kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka gore rino.

Mukombe wegore rapera wePSL wakatorwa neDynamos.

Mumitambo yekupera kwesvondo ichange yakamira saizvi:

How Mine vs Dynamos
Hwange vs Buffaloes
Caps United vs ZPC Kariba
Chapungu vs Highlanders
Chicken Inn vs Harare City
Chiredzi vs FC Platinum
Bantu Rovers vs Black Rhinos
Shabanie Mine vs Triangle.


please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG