Accessibility links

Breaking News

Masangano Anomirira Kodzero dzeMadzimai Oshora Kushungurudzwa Kwavo Mudzimba


Masangano anorirwa kodzero dzevanhukadzi munyika abatana neMuvhuro nevadzidzi vepa Women’s University In Africa, pamwe ne Women Film Makers mukuratidzira vachishora kushungurudzwa kwemadzimai mudzimba.

Kuratidzira uku kunotevera kufa kwakaita mumwe mudzimai, Isabel Masuka, muna Kubvumbi gore rino apo akarohwa zvakaipisisa nemurume wake zvakazokonzera kuti afe. Murume wacho akazozviuraya.

Mutungamiri we sangano re Zimbabwe Young Women Network For Peace, Muzvare Grace Chirenje, mumwe weavo vange vari pakuratidzira uku, vanoti dambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai richiri kuwanda munyika.

Muzvare Chirenje vanoti vafara nekurudziro yekuti dambudziko rekushungurudzwa kwemadzimai rigadziriswe iyo yaitwa negurukota rezvemadzimai, Muzvare Oppa Muchinguri.

Muzvare Muchinguri vapa kurudziro yekuti kushungurudzwa kwemadzimai pamwe nevanasikana kupedzwe nekudzikwa kwemitemo inoomesera avo vanowanikwa vachityora kodzero dzemadzimai kana kuvashungurudza.

Muzvare Chirenje vanoti dai hurumende yawana mari yekutsigira zvirongwa zvekuchengetedza kodzero dzemadzimai sezvo pari zvino zvirongwa zvakawanda zvakamira nenyaya yekushaya rutsigiro rwemari.
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG