Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu akabata mukunyora gwaro renyunyuto kusangano reunited Nations General Assembly neSecurity Council, vachi kurudzira kuti mauto pamwe nepurisa eZimbabwe ari mumabasa ekuchengetedza runyararo pasi rose pasi peUN vabviswe
Kushaikwa kwemishonga inoshandiswa pakuvhiya varwere muzvipatara zvehurumende kwave kumanikidza kuvharwa kwezvimwe zvipatara, danho rinonzi rave kusiya varwere vari pamhene.
Zuva reWorld Teachers Day rakacherechedzwa pasi rose musi wa 5 Gumiguru pasi pedingindira rinoti “Valuing Teachers, Improving their Status”, iro rinokoshesa varairidzi pamwe nekuwandudza zvimiro zvavo.
Amai Makarau vanoti hurongwa hutsva hwekunyoresa kuvhota uhwu hwunotarisirwa kutanga muchikamu chekutanga chegore rinouya.
Mutauriri weTajamuka/Sesijikile VaPromise Mkwananzi vanoti vatora danho iri nekuona kuomeserwa kuri kuitwa vanhu kuti vanofanirwa kutokwira mabhazi kupinda muguta kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.
Mutauriri webato reZimbabwe People First VaJealousy Mawarire vanoti musangano waitwa naAmai Mujuru naVaSmith uyu ndewekutanga muhurongwa hwekuti vaone kuti vangaripa sei VaSmith nekurasikirwa kwavakaitwa nepurazi ravo pamwe nemidziyo yavo.
Sangano reZimbabwe Exiles Forum rinoti riri kukurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara pamwe nekushanda muSouth Africa zvine magwaro eZimbabwe Special Permit, kuti zvigadzirise hugaro hwazvo Zvita 2017 asati apera.
VaMakirima vanoti vakarasikirwa nemidziyo inosanganisira chibage chekudya, matsaga matanhatu efotereza, makirogiramu makumi maviri nemashanu embeu, magumbeze, mbatya, midziyo yekubikira, makabati nezvimwe.
Sangano revashandi reZCTUcmukupera kwesvondo rakadoma hutungamiri hutsva, hwakatsiva hwaivepo hwaitungamirwa naVaGeorge Nkiwane.
Vatatu ava, avo vanoti VaTondera Dombo, VaAlexander Mukamba naVaThembinkosi Rushwaya, vakasungwa mushure mekunge vasimudza zvinyorwa zvenyunyuto zvaiti vapedza chikoro nhasi asi mangwana vanenge vave marovha.
VaMada, avo vave nemakore akati kuti vari muAmerica, mumwe wevanhu vakaumba humiriri hwebato reMDC mudunhu reAmerica vakave munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko, uye vakambobatawo chigaro chasachigaro webato muPhiladelphia.
VaGutu vanoti nyanzvi dzezveupfumi dzinoti nyika inofanirwa kunge iine mari yekunze inokwana gore rose mudura mayo inofanirwa inotsigira ma bond note aya kuti akwanise kushanda munyika.
Asi veZanu vanoti havaneyi nekuratidzira uku vachiti vechidiki vebato ravo vano zivikanwa nerunyararo uye bato ravo haridi zvemhirizhonga.
Vemakereke ava vanga vaenda kuChikurubi Maximum Prison mushure mekushanyira chipatara cheAvenues Clinic uko vaona pamwe nekunamatira vakakuvara mukuratidzira kwakaitika muHarare masvondo apfuura.
Unicef inoti gore rino vana zviuru makumi maviri vaida rubatsiro pakati pemwedzi ya ndira nachikunguru, zvichienzaniswa nevana zviuru gumi nechimwe mugore rose ra 2015.
VaKhama vanoti nyika iri kudzoserwa shure nematambudziko mune zveupfumi nezvematongerwo enyika, izvo zvavanoti zvave kuremedzawo nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzose.
Nhengo nhatu dzedare reparamende dzebato rinopikisa reMovement for Democratic Change dzakasungwa mukuratidzira kwakaitwa musi weMugovera dzakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nematare nemusi weChipiri
Gurukota rinoona nezvematunhu VaSavior Kasukuwere vakambomisa basa makanzura mashanu eguta reBulawayo kusanganisira mutevedzeri wameya uye vari kanzura weWard 5 VaGift Banda.
Rodhai zvimwe