Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Exiles Forum Yorwisa Kuti South Africa Iwedzere Hupenyu hweMagwaro eZimbabwe Special Permit


Mukuru mukuru webazi rezvekupinda kwevanhu muSouth Africa achitsanangurira zvizvarwa zveZimbabweans nezvekugadzirisa magwaro azvo
Mukuru mukuru webazi rezvekupinda kwevanhu muSouth Africa achitsanangurira zvizvarwa zveZimbabweans nezvekugadzirisa magwaro azvo

Mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba vanoti hurongwa huri kukurudzirwa nehurumende yeSouth Africa hwekuti vana veZimbabwe vari kushandisa magwaro eZimbabwe Special Permit vange vagadzirise hugaro hwavo panopera mwedzi waZvita gore rinouya hunoomera vanhu vakawanda.

VaShumba vanoti hurongwa uhwu hwunoda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitsvage magweta kuti zvibatsirwe kugadzirisa magwaro azvo, uye hunoda mari uye vanhu vakawanda havana ruzivo rwekuti zvinofambiswa sei.

VaShumba vanoti kurudziro yekuti vanhu vatsvage dzimwe nzira kunze kweZimbabwe Special Permit yagara ichi ziviswa negurukota rezvemukati menyika yeSouth Africa, VaMelusi Gigaba.

"Izvi zvinhu zvavataura gwakawandisa zvokuti kazhinji tinoshamisika kana tichiohwa vamwe vanhu vachibuda nekuseri vachiti South Africa ichapa mamwe ma permit zvakare anenge ari pasi peZimbabwe Special Permit, handizvo," VaShumba vanodaro.

Panyaya yekuti kune makung'akung'a ekuti kune rimwe gwaro rinonzi SADC Visa ringangoparurwa kuti ritsive riripo iri, VaShumba vanoti iyi ipfungwa yakangosimudza naVaGigaba pamusangano wavakaita svondo rapera.

Eeh, ministry ndiyo yakangotaura kuti tinogona kuuyisa chinhu chinohi SADC Visa, chinenge chichi sanganisira vana vese vemuSADC. Asi visa iri harisi remunhu akaenda kuchikoro akawana ma skills kana kuti profession.

VaShumba vanoti vhiza iri rinenge riri revanhu vaya vanenge vasina kana hunyanzvi hwekuzvikoro zvepamusoro, vakaita sevanobatsira muminda, mudzimba kana mumayadhi.

"Asi ndoda kuyambira vateereri kuti i proposal. Kana tichiti proposal tinoreva kuti inongovawo pfungwa yakapiwa kuti ingagamuchirwa here. Saka ichahoda kuinda kune inonzi white paper, vanhu vachiramba vachipawo pfungwa dzavo pamusoro pazvo, yabva ku white paper yozoenda ku cabinet yeSouth Africa, yohobvuma kana kuti yoramba zvinhu zvacho zviri ku suggestwa," VaShumba vanodaro.

Vanoti ivowo vane maonero avari kuita paSADC Visa pacho, vachiti vacharamba vachi kurudzira kuti hurumende yeSouth Africa yochiri tambira zvayo pane special permit.

VaShumba vanoti zvinogona kutora nguva yakareba kuti rizotanga kushanda, kana richinge razotambirwa.

XS
SM
MD
LG