Accessibility links

Breaking News

VeZanu PF Vonongedzwa muKuparadzwa kweZvinhu Kwaitika muKuratidzira muHarare.


MuHarare munonzi makaita kuparadzwa kwemidziyo nezvivakwa nevanotengesera mumigwagwa, avo vanonzi vari kunyunyuta nemabatirwo avari kuitwa nekanzuru, iyo inonzi iri kuvabvisa zvakare mumigwagwa zvine chisimba.

Mapurisa anodzivirira bongozozo anonzi azoedza kunopomhodza bongozozo iri nekukanda hutsi hunokachidza mumigwagwa, pamwe nekusunga vamwe vevanhu vanga vachiratidzira ava.

Vanhu ava vanonzi vakaparadzawo mafafitera emahofisi esangano revanotengesera mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe ari panosangana migwagwa yaLeopold Takawira naNelson Mandela.

Asi mukuru wesangano reNAVUZ, VaStan Zvorwadza vanoti vaparadza zvinhu ava havasi nhengo dzavo kanawo vanhu vanorarama nekutengesera mumigwagwa, asi kuti inhengo dzevechidiki veZanu PF vari kuda kusvibisa zita resangano ravo.

VaZvorwadza vanoti vane humbowo huzere hwekuti vanhu ava ndeve Zanu PF sezvo vamwe vavo vanga vakapfeka nhumbi dzeZanu PF.

Vanoti chimwe chinoratidza kuti vanhu vaita izvi ndeve Zanu PF kunonoka kuvepo kwemapurisa, ayo vanoti vatozoita vekushevedza kuti vadzimure kuparadzwa kwezvinhu uku.

Vanotengesera mumigwagwa vakawanda vanonzi varasikirwawo nezvinhu zvavo izvo zvinonzi zvanga zvichiparadzwa nevanhu ava.

Hurukruo naVaStan Zvorwadza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi veZanu vanoti havaneyi nekuratidzira uku vachiti vechidiki vebato ravo vanozivikanwa nerunyararo uye bato ravo haridi zvemhirizhonga.

Munyori anoona nezvehupfumi muboka revechidiki reZanu-PF Youth League, VaTongai Kasukuwere vanoti VaZvorwadza nevamwe vavo vave kuziva kuti vanhu havachada zvekungopinda mumigwagwa nekupisa matayi edzimotokari vachiratidzira zvisina pundutso.

"Vanhu vagara vanozivikanwa kuti vari kuita violence mu town, I think everyone knows, saka zvekuzoti ma youth edu eZanu PF aswera achimhanyisana nemapurisa, that will never happen, we are a disciplined party," VaKasukuwere vanodaro.

Hurukuro naVaTongai Kasukuwere
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

.

XS
SM
MD
LG